Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 91

Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro

achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.

Ndichati pamusoro paJehovha, “Ndiye utiziro hwangu nenhare yangu,

Mwari wangu, wandinovimba naye.”

Zvirokwazvo achakuponesa parugombe rwomuteyi

napadenda rinouraya.

Achakufukidza neminhenga yake,

uye uchawana utiziro pasi pamapapiro ake;

kutendeka kwake kuchava nhoo yako norusvingo rwako.

Haungatyiswi nokuvhundutsa kwousiku,

kana museve unopfurwa masikati,

kana hosha inofamba murima,

kana denda rinoparadza masikati.

Chiuru chingawa parutivi rwako,

zviuru gumi kurudyi pako,

asi hazvingaswederi kwauri.

Uchangozviona nameso ako chete,

uye uchaona kurangwa kwavakaipa.

Kana ukaita Wokumusoro-soro ugaro hwako,

kunyange Jehovha, iye utiziro hwangu,

ipapo hapana chakaipa chichakuwira,

hakuna njodzi ichasvika patende rako.

Nokuti acharayira vatumwa vake pamusoro pako,

kuti vakuchengete panzira dzako dzose;

vachakusimudza mumaoko avo,

kuti rutsoka rwako rurege kugumburwa padombo.

Uchatsika pamusoro peshumba napamusoro pechiva;

uchatsika-tsika shumba huru nenyoka.

“Nokuti anondida,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “neni ndichamununura;

ndichamudzivirira, nokuti anoziva zita rangu.

Achadana kwandiri, uye ndichamupindura;

ndichava naye pakutambudzika,

ndichamurwira uye ndichamukudza.

Ndichamugutsa noupenyu hurefu,

uye ndichamuratidza ruponeso rwangu.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.