Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 92

Pisarema. Rwiyo rweSabata.

Zvakanaka kurumbidza Jehovha

nokuimbira zita renyu nziyo, imi Wokumusoro-soro,

kuparidza rudo rwenyu mangwanani

nokutendeka kwenyu usiku,

nechiridzwa chine hungiso

gumi namaririro akanaka embira.

Nokuti munondifadza namabasa enyu, imi Jehovha;

ndinoimba nomufaro nokuda kwamabasa amaoko enyu.

Haiwa Jehovha, mabasa enyu makuru seiko,

ndangariro dzenyu dzakadzika sei!

Munhu asina njere haazivi,

mapenzi haanzwisisi,

kuti kunyange vakaipa vachimera souswa,

uye vaiti vezvakaipa vose vachikura,

vachaparadzwa nokusingaperi.

Asi imi, iyemi Jehovha, munosimudzirwa nokusingaperi.

Nokuti zvirokwazvo vavengi venyu, imi Jehovha,

zvirokwazvo vavengi venyu vachaparadzwa;

vaiti vezvakaipa vose vachaparadzirwa.

Makasimudzira runyanga rwangu sorwenyati;

mafuta akaisvonaka akadururirwa pamusoro pangu.

Meso angu akaona kukundwa kwavadzivisi vangu;

nzeve dzangu dzakanzwa kuparadzwa kwavavengi vangu vakaipa.

Vakarurama vachakura kwazvo somuchindwe,

vachakura somusidhari weRebhanoni;

wakadyarwa muimba yaJehovha,

vachakura kwazvo muvanze dzaMwari wedu.

Vacharamba vachibereka zvibereko pakukwegura kwavo,

vachagara vari vanyoro uye vari vatsva.

Vachaparidza kuti, “Jehovha akarurama;

ndiye Dombo rangu, uye maari hamuna chakaipa.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.