Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 90

BHUKU 4

Mapisarema 90–106

Munyengetero waMozisi munhu waMwari.

Jehovha, imi makava ugaro hwedu

kuzvizvarwa zvose.

Makomo asati azvarwa

uye musati mabudisa nyika nepasi rose,

kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi muri Mwari.

Munodzosera vanhu kuguruva zvakare, muchiti,

“Dzokerai kuguruva, imi vanakomana vavanhu.”

Nokuti pamberi penyu makore chiuru

akangofanana nezuva richangopfuura,

kana senguva yokurinda usiku.

Munokukura vanhu pakuvata kworufu;

vakaita sebundo idzva ramangwanani,

kunyange richimera riri idzva mangwanani,

nenguva yamadekwana rinenge raoma uye rasvava.

Tapera nokutsamwa kwenyu

uye tinovhundutswa nehasha dzenyu.

Makaisa zvakaipa zvedu pamberi penyu,

makaisa zvivi zvedu zvakavanzika muchiedza chokuvapo kwenyu.

Mazuva edu ose anopfuura napasi pehasha dzenyu;

tinopedza makore edu nokuchema.

Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe,

kana makumi masere, kana tiine simba;

kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa,

nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka toenda.

Ndianiko anoziva simba rokutsamwa kwenyu?

Nokuti hasha dzenyu dzakakura sokutyiwa kwakakufanirai imi.

Tidzidzisei kuverenga mazuva edu zvakanaka,

kuti tiwane mwoyo wouchenjeri.

Dzokai, imi Jehovha! Zvichadaro kusvikira riniko?

Ivai netsitsi pamusoro pavaranda venyu.

Tigutsei mangwanani norudo rwenyu rusingaperi,

kuti tigoimba nomufaro tigofara mazuva edu ose.

Tifadzei zvinoenzana namazuva amakatitambudza,

samakore mazhinji atakaona nhamo.

Mabasa enyu ngaaratidzwe kuvaranda venyu,

nokubwinya kwenyu kuvana vavo.

Nyasha dzaIshe Mwari wedu ngadzive pamusoro pedu;

tisimbisirei mabasa amaoko edu, hongu,

simbisai basa ramaoko edu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.