Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 84

Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

Ugaro hwenyu hwakanaka sei,

imi Jehovha Wamasimba Ose!

Mweya wangu unopanga,

uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha;

mwoyo wangu nenyama yangu

zvinodana kuna Mwari mupenyu.

Kunyange shiri diki yakazviwanira imba,

nenyenganyenga yakazviwanirawo

dendere kwaingachochonyera vana vayo,

iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu,

imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu;

vanogara vachikurumbidzai. Sera

Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri,

vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

Pavanopfuura nomuMupata weBhaka,

vanouita nzvimbo yamatsime;

mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

Vanowedzera simba pasimba,

kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera

Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu;

ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,

kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;

ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari

wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo;

Jehovha anopa nyasha nokukudzwa;

hapana chinhu chakanaka chaanganyima

avo vanofamba zvakarurama.

Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,

akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.