Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 83

Rwiyo. Pisarema raAsafi.

Haiwa Mwari, regai kunyarara;

musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.

Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu,

namasimudziro avaita misoro yavo.

Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu;

vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.

Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi,

kuti zita raIsraeri rirove.”

Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete;

vanoita sungano yokuzorwa nemi,

matende eEdhomu nevaIshumaeri,

neMoabhu navaHagari,

Gebha, Amoni neAmareki,

Firistia, navanhu veTire.

Kunyange neAsiria yabatana

navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera

Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia,

sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,

ivo vakafira paEndori

uye vakava sendove pamusoro pevhu.

Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi,

machinda avo ose saZebha naZarumuna,

ivo vakati, “Handei tindotora

mafuro aMwari.”

Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira,

sehundi inodzingwa nemhepo.

Somoto unopisa sango

kana moto unoririma mugomo,

saka vateverei nedutu renyu

mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.

Fukidzai zviso zvavo nenyadzi

kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

Ngavarambe vachinyadziswa

uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha,

ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.