Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 85
Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.
Makanzwira nyasha nyika yenyu, imi Jehovha;
makadzosera Jakobho nhaka yake.
Makakanganwira kutadza kwavanhu venyu,
uye mukafukidza zvivi zvavo zvose. Sera
Makaisa parutivi hasha dzenyu dzose,
mukadzoka pakutsamwa kwenyu kunotyisa.
Tidzoreizve, imi Mwari Muponesi wedu,
mugoisa kure nemi kusafara kwenyu pamusoro pedu.
Mucharamba makatitsamwira nokusingaperi here?
Mucharega kutsamwa kwenyu kuripo kusvikira kuzvizvarwa zvose here?
Ko, hamungatimutsiridzizve here,
kuti vanhu venyu vagofara mamuri?
Tiratidzei ngoni dzenyu, imi Jehovha,
mugotipawo ruponeso rwenyu.
Ndichateerera zvichataurwa naJehovha Mwari;
anovimbisa rugare kuvanhu vake, vatsvene vake,
asi ngavasadzokerazve kuupenzi.
Chokwadi, ruponeso rwake rwuri pedyo navanomutya,
kuti kubwinya kwake kugogara munyika yedu.
Rudo nokutendeka zvinosangana pamwe chete;
kururama norugare zvinosvetana.
Kutendeka kunomera panyika,
kururama kunotarira pasi kuri kudenga.
Chokwadi, Jehovha achapa zvinhu zvakanaka,
uye nyika yedu ichabereka mukoho wayo.
Kururama kuchamutungamirira,
uye kuchamugadzirira nzira yetsoka dzake.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.