Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 7

Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.

Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri;

ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,

kuti varege kundibvambura seshumba

nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni

kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate;

ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu

uye andivatise muguruva.

Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu;

simukai murwise hasha dzavavengi vangu.

Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai.

Vatongei imi muri kumusoro;

Jehovha ngaatonge marudzi.

Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu,

zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

Haiwa, Mwari akarurama,

iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo,

gumisai kuita nesimba kwavakaipa

mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro,

iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

Mwari ndiye mutongi akarurama,

iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

Kana munhu asingatendeuki,

iye acharodza munondo wake;

achakunga uta hwake agogadzirira.

Agadzirira zvombo zvake zvinouraya;

anozvigadzirira miseve yake inopisa.

Iye ane mimba yezvakaipa

akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

Uyo anochera gomba,

akaridzikisa achawira mugomba raachera.

Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake;

uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.