Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 6
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,
kana kundiranga muhasha dzenyu.
Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;
haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.
Mweya wangu uri kurwadziwa.
Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?
Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;
ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.
Hakuna anokurangarirai kana afa.
Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?
Ndaneta nokugomera;
ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,
ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.
Meso angu aneta nokuchema;
haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.
Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,
nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.
Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;
Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.
Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;
vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.