Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 8

Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Makaisa kubwinya kwenyu

kudenga kumusoro.

Pamiromo yavana navacheche

makaisa rumbidzo

nokuda kwavavengi venyu,

kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,

iro basa reminwe yenyu,

mwedzi nenyeredzi,

zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

munhu chiiko zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,

uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;

mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

makwai ose nemombe,

nemhuka dzesango,

neshiri dzedenga,

nehove dzegungwa,

zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.