Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 57

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakatiza kubva kuna Sauro akapinda mubako.

Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, ndinzwirei ngoni,

nokuti mweya wangu unovanda mamuri.

Ndichavanda mumumvuri wamapapiro enyu,

kusvikira njodzi yapfuura.

Ndinodanidzira kuna Mwari Wokumusoro-soro,

kuna Mwari anozadzisa chinangwa chake kwandiri.

Anotuma kubva kudenga agondiponesa,

achituka vaya vanondidzingirira nehasha; Sera

Mwari anotumira rudo rwake nokutendeka kwake.

Ndiri pakati peshumba;

ndinovata pakati pemhuka dzinokara,

ivo vanhu vane meno amapfumo nemiseve,

vane ndimi dzinopinza seminondo.

Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;

kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose. Sera

Vanowaririra tsoka dzangu mimbure,

ndakakotamiswa pasi nenhamo.

Vakachera gomba panzira yangu,

asi vakawiramo vamene. Sera

Mwoyo wangu wakasimba, Mwari wangu,

mwoyo wangu wakasimba;

ndichaimba uye ndichaimba rwiyo.

Chimuka iwe mweya wangu!

Mukai imi mutengeranwa nembira!

Ini ndichamutsa mambakwedza.

Ndichakurumbidzai imi, iyemi Ishe, pakati pendudzi;

ndichakuimbirai pakati pamarudzi.

Nokuti rudo rwenyu rukuru, runosvika kudenga denga;

kutendeka kwenyu kunosvika kumusoro.

Kudzwai, imi Mwari, pamusoro pamatenga;

kubwinya kwenyu ngakuve pamusoro penyika yose.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.