Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 58

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro okuti, “Musaparadza.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami.

Ko, imi vatongi munotaura mukururama here?

Munotonga pakati pavanhu nokururamisira here?

Kwete, munofunga kusaruramisira mumwoyo menyu,

uye maoko enyu anomanikidza panyika.

Kunyange kubvira pakuberekwa, vakaipa vanofamba mukutsauka;

kubva mudumbu ramai, vakaipa uye vanoreva nhema.

Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka,

vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

isingateereri maimbiro enʼanga

kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari;

bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

Ngavatsakatike semvura yapera kuerera;

pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba,

kufanana negavamwedzi, ngavarege kuona zuva.

Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto,

ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

Vakarurama vachafara pavachatsivirwa,

pavachashambidza tsoka dzavo muropa ravakaipa.

Ipapo vanhu vachati,

“Zvirokwazvo vakarurama vachiri kungowana mubayiro;

zvirokwazvo Mwari ariko anotonga nyika.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.