Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 56

Kumutungamiri wokuimba. Namaririro e“Njiva paMiouki iri kure.” Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo rweMikitami. Paakabatwa navaFiristia paGati.

Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha;

zuva rose vanorwa neni.

Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose;

vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

Pandinenge ndotya,

ndichavimba nemi.

Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,

muna Mwari ndinovimba; handichazotyi.

Ko, munhu anofa angandiitei?

Zuva rose vanomonyorora mashoko angu;

vanogara vachirangana kundikuvadza.

Vanorangana, vanovandira,

vanocherechedza mafambiro angu,

vachishuva kundiuraya.

Ngavasapunyuka savasina mhaka;

koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.

Nyorai kuchema kwangu;

isai misodzi yangu parugwaro rwenyu,

ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

Ipapo vavengi vangu vachadzokera shure

pandinodanidzira kuti ndibatsirwe.

Nechinhu ichi, ndichaziva kuti Mwari ari kurutivi rwangu.

Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza,

muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,

muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu.

Ko, munhu angandiitei?

Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari;

ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.

Nokuti makandirwira parufu,

uye netsoka dzangu pakugumburwa,

kuti ndifambe pamberi penyu

muchiedza choupenyu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.