Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 53

Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Mwari hakuna.”

Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa;

hakuna anoita zvakanaka.

Mwari anotarira ari kudenga,

pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

kana aripo anotsvaka Mwari.

Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure,

vakava vakaora pamwe chete;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here,

vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Mwari?

Havo, vakazadzwa nokutya,

ipo pasina chavangatya.

Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa;

makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.

Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni;

Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake;

Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.