Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 52

Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba?

Unozvikudzirei zuva rose,

iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?

Rurimi rwako runofarira zvokuparadza;

rwakaita sechisvo chakarodzwa,

iyewe unogara uchingonyengera.

Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka,

kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera

Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza,

iwe rurimi runonyengera!

Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi:

Achakubvuta agokubvisa mutende rako;

achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera

Vakarurama vachazviona uye vachatya;

vachamuseka vachiti,

“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake,

asi aivimba nepfuma yake zhinji,

uye aisimba nokuparadza vamwe!”

Asi ini ndakaita somuti

womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;

ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,

nokusingaperi-peri.

Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita;

ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka.

Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.