Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 54
Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”
Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu;
ndiruramisirei nesimba renyu.
Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari;
teererai kumashoko omuromo wangu.
Vatorwa vanondirwisa;
vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu,
vanhu vasingazivi Mwari. Sera
Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;
ishe ndiye anonditsigira.
Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva;
muvaparadze pakutendeka kwenyu.
Ndichakubayirai chipiriso chokungopa;
ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha,
nokuti rakanaka.
Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose,
uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.