Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 33
Imbirai Jehovha, mufarisise, imi vakarurama;
zvakanaka kuti vakarurama vamurumbidze.
Rumbidzai Jehovha nembira;
muimbirei nziyo nomutengeranwa une hungiso gumi.
Muimbirei rwiyo rutsva;
muridze zvakanaka, mugopururudza nomufaro.
Nokuti shoko raJehovha rakarurama uye nderechokwadi;
iye akatendeka pane zvose zvaanoita.
Jehovha anoda kururama nokururamisira;
nyika izere norudo rwake rusingaperi.
Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha,
hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.
Anounganidza mvura zhinji yegungwa muzvirongo;
anoisa kwakadzika mumatura.
Nyika yose ngaitye Jehovha;
marudzi ose enyika ngaamuremekedze.
Nokuti iye akataura, zvikaitika;
akarayira, zvikamira zvakasimba.
Jehovha anokonesa urongwa hwendudzi;
anopinganidza mifungo yendudzi.
Asi urongwa hwaJehovha hunomira hwakasimba nokusingaperi,
nendangariro dzomwoyo wake kusvikira kuzvizvarwa zvose.
Rwakaropafadzwa rudzi rwakaita Jehovha Mwari warwo,
vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.
Jehovha anotarira pasi ari kudenga
uye anoona marudzi ose avanhu;
ari pachigaro chake anotarira
vose vagere panyika,
iye anoumba mwoyo yavanhu vose,
anofungisisa zvose zvavanoita.
Hapana mambo anoponeswa nokukura kwehondo yake;
hapana murwi anopunyuka nokuda kwesimba rake guru.
Bhiza itariro isina maturo pakurwirwa;
harigoni kuponesa kunyange rine simba guru.
Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya,
napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,
kuti avarwire parufu
nokuvararamisa panzara.
Tinomirira Jehovha netariro;
ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.
Mwoyo yedu inofara maari,
nokuti tinovimba nezita rake dzvene.
Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha,
kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.