Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 32

Pisarema raDhavhidhi neMasikiri.

Akaropafadzwa uyo

akakanganwirwa kudarika kwake,

akafukidzirwa zvivi zvake.

Akaropafadzwa munhu

asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha,

uye asina kunyengera mumwoyo make.

Pandakanyarara,

mapfupa angu akarukutika nokuda

kwokugomera kwangu zuva rose.

Nokuti masikati nousiku

ruoko rwenyu rwakanga ruchirema pamusoro pangu;

simba rangu rakasvetwa

sezvinoita kupisa kwechirimo. Sera

Ipapo ndakazivisa chivi changu kwamuri

uye handina kuvanza chakaipa changu.

Ndakati, “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha,”

uye makandiregerera mhosva yechivi changu. Sera

Naizvozvo vose vanoda Mwari ngavanyengetere kwamuri

muchiri kuwanikwa;

zvirokwazvo mvura zhinji ine simba painokwira,

haingasviki kwavari.

Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda;

muchandidzivirira panhamo

uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera

Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo;

ndichakupa zano uye ndichakurinda.

Rega kuva sebhiza kana senyurusi,

zvisinganzwisisi asi zvinofanira kupingudzwa

nomukaro kana namatomu,

kana kuti hazvingauyi kwauri.

Wakaipa ana matambudziko mazhinji,

asi rudo rusingaperi rwaJehovha

runopoteredza munhu anovimba naye.

Farai muna Jehovha uye mufarisise, imi vakarurama;

imbai, imi mose makarurama pamwoyo!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.