Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 34

Pisarema raDhavhidhi. Paakaita seanopenga pamberi paAbhimereki; uyo akamudzinga, iye akaenda hake.

Ndinorumbidza Jehovha nguva dzose;

kurumbidzwa kwake kucharamba kuri pamiromo yangu.

Mwoyo wangu uchazvirumbidza muna Jehovha;

vanotambudzika ngavanzwe vafare.

Kudzai Jehovha pamwe chete neni;

ngatikudzei zita rake pamwe chete.

Ndakachema kuna Jehovha akandipindura;

akandisunungura pakutya kwangu kwose.

Vanotarira kwaari vanopenya;

zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.

Murombo uyu akadana, uye Jehovha akamunzwa;

akamuponesa pakutambudzika kwake kwose.

Mutumwa waJehovha anokomberedza avo vanomutya,

uye anovasunungura.

Ravirai henyu muone kuti Jehovha akanaka;

akaropafadzwa munhu anovanda maari.

Ityai Jehovha, imi vatsvene vake,

nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara,

asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

Uyai, vana vangu, nditeererei;

ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

Ani naani wenyu anoda upenyu,

uye uchida kuona mazuva akawanda,

dzora rurimi rwako pane zvakaipa

nemiromo yako pakureva nhema.

Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka;

tsvaka rugare uye urutevere.

Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama

uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa,

kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa;

anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika

uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

Akarurama angava namatambudziko mazhinji,

asi Jehovha anomurwira paari ose;

anochengetedza mapfupa ake ose,

hakuna nerimwe rawo richavhunika.

Zvakaipa zvichauraya vakaipa;

vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

Jehovha anodzikinura varanda vake;

hapana kana mumwe anovanda maari achapiwa mhosva.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.