Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 27

Pisarema raDhavhidhi.

Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri

kuzodya nyama yangu,

vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,

vanogumburwa ndokuwa.

Kunyange hondo ikandikomba,

mwoyo wangu haungazotyi;

kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,

ipapo ndichavimba naJehovha.

Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,

ndicho chandinotsvaka:

kuti ndigare mumba maJehovha

mazuva ose oupenyu hwangu,

kuti nditarire kunaka kwaJehovha

uye ndimutsvake mutemberi yake.

Nokuti zuva rokutambudzika

achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;

achandiviga mudumba retabhenakeri yake,

agondikwidza pamusoro pedombo.

Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa

pamusoro pavavengi vakandipoteredza;

ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru;

ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.

Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha;

ndinzwirei ngoni mugondipindura.

Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!”

Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

Regai kundivanzira chiso chenyu,

musadzinga muranda wenyu mukutsamwa;

makanga muri mubatsiri wangu.

Regai kundiramba kana kundisiya,

imi Mwari Muponesi wangu.

Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,

Jehovha achandigamuchira.

Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;

ndisesedzei munzira yakarurama

nokuda kwavamanikidzi vangu.

Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu,

nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira,

vachifemedzeka nehasha.

Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:

ndichaona kunaka kwaJehovha

munyika yavapenyu.

Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.