Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 26
Pisarema raDhavhidhi.
Nditongerei, imi Jehovha,
nokuti ndakararama upenyu
husina chahungapomerwa;
ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.
Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei,
nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;
nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose,
uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.
Handigari navanhu vanonyengera,
kana kufambidzana navanyengeri;
ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa,
uye ndinoramba kugara navakaipa.
Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka,
uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru,
uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha,
nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi,
noupenyu hwangu navanoteura ropa,
vana maoko akabata zvakaipa,
vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.
Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa;
ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.
Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere;
ndicharumbidza Jehovha paungano huru.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.