Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 23
Pisarema raDhavhidhi.
Jehovha ndiye mufudzi wangu, hapana chandingashayiwa.
Anondivatisa pamafuro manyoro,
anondisesedza pamvura inozorodza,
anoponesa mweya wangu.
Anondifambisa panzira dzokururama
nokuda kwezita rake.
Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu,
handingatyi zvakaipa,
nokuti imi muneni;
tsvimbo yenyu nomudonzvo
wenyu zvinondinyaradza.
Munondigadzirira tafura
pamberi pavavengi vangu.
Munozodza musoro wangu namafuta;
mukombe wangu unopfachukira.
Zvirokwazvo kunaka kwenyu norudo rwenyu zvichanditevera,
mazuva ose oupenyu hwangu,
uye ndichagara mumba maJehovha
nokusingaperi.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.