Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 24

Pisarema raDhavhidhi.

Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi,

nyika, navose vanogaramo;

nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa

uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha?

Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka,

asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo,

kana kupika nhema.

Iye achagamuchira makomborero anobva kuna Jehovha

nokururamiswa kunobva kuna Mwari woruponeso rwake.

Ivava ndivo rudzi rwaavo vanomutsvaka,

ivo vanotsvaka chiso chenyu, imi Mwari waJakobho. Sera

Simudzai misoro yenyu, imi masuo;

muisimudze, imi makonhi akare,

kuti Mambo wokubwinya apinde.

Ndianiko uyu Mambo wokubwinya?

Ndiye Jehovha ane simba noumhare,

Jehovha ane simba pakurwa.

Simudzai misoro yenyu, imi masuo;

muasimudze, imi makonhi akare,

kuti Mambo wokubwinya apinde.

Ndianiko, uyu Mambo wokubwinya?

Jehovha Wamasimba Ose,

ndiye Mambo wokubwinya. Sera

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.