Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 22
Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo e“Nondo yamangwanani.” Pisarema raDhavhidhi.
Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?
Sei muri kure zvakadai nokundiponesa,
kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati,
asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene;
ndimi rumbidzo yaIsraeri.
Madzibaba edu akavimba nemi;
vakavimba, uye mukavarwira.
Vakachema kwamuri, vakaponeswa;
vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
Asi ini ndiri honye kwete munhu,
ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
Vose vanondiona vanondiseka;
vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
“Anovimba naJehovha;
Jehovha ngaamununure.
Ngaamuponese,
sezvo achimufarira.”
Asi ndimi makandibudisa mudumbu;
mukaita kuti ndivimbe nemi
ndichiri pachipfuva chamai vangu.
Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri;
kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
Regai kuva kure neni,
nokuti dambudziko riri pedyo
uye hakuna angabatsira.
Hando zhinji dzakandikomba;
hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama,
dzinondishamira miromo yadzo.
Ndadururwa semvura,
uye mapfupa angu ose abva asvodogoka.
Mwoyo wangu washanduka ukava namo;
wanyungudika mukati mangu.
Simba rangu raoma sechaenga,
uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu;
munondiradzika muguruva rorufu.
Imbwa dzakandikomba;
boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza,
vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose;
vanhu vanondinanʼanidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
Vanogovana nguo dzangu pakati pavo
uye vanokanda mijenya nokuda kwenguo yangu.
Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni;
imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
Rwirai upenyu hwangu pamunondo,
ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
Ndinunurei pamuromo weshumba;
ndiponesei panyanga dzenyati.
Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu;
ndichakurumbidzai paungano.
Imi munotya Jehovha, murumbidzei!
Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei!
Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!
Nokuti haana kuzvidza kana kusema
chibayiro chaiye akatambudzwa;
haana kumuvanzira chiso chake,
asi akanzwa kuchemera kwake rubatsiro.
Kwamuri ndiko kunobva dingindira rerumbidzo yangu paungano huru;
ndichazadzisa mhiko dzangu pamberi pavanokutyai.
Varombo vachadya uye vagoguta;
vanotsvaka Jehovha vachamurumbidza,
mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi!
Migumo yose yenyika
icharangarira igodzokera kuna Jehovha,
uye mhuri dzendudzi dzose
dzichapfugama pamberi pake,
nokuti ushe ndohwaJehovha
uye anotonga pamusoro pendudzi.
Vapfumi vose venyika vachadya
uye vachamunamata; vose vanoburukira muguruva vachapfugama pamberi pake,
navose vasingagoni kuzviraramisa.
Vana vake vachamushumira;
zvizvarwa zvinotevera zvichaudzwa nezvaIshe.
Vachaparidza kururama kwake
kuvanhu vasati vaberekwa,
nokuti akazviita.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.