Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 21
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu.
Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!
Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake,
uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera
Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma,
uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.
Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva
mazhinji, nokusingaperi-peri.
Kubudikidza nokukunda kwamakamupa,
kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.
Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi,
mukamufadza nomufaro pamberi penyu.
Nokuti mambo anovimba naJehovha;
nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro,
iye haangazungunuswi.
Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose;
ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu.
Panguva yokuonekwa kwenyu
muchavaita sevira romoto.
Jehovha achavamedza nehasha dzake,
uye moto wake uchavaparadza.
Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika,
vana vavo kubva pakati pavanhu.
Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu
nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;
nokuti muchaita kuti vafuratire,
pamuchavananga nouta hwakawemburwa.
Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu;
tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.