Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 20

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

Jehovha ngaakupindure paunotambudzika;

zita raMwari waJakobho ngarikudzivirire.

Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene,

uye akupe rutsigiro runobva kuZioni.

Ngaarangarire zvibayiro zvako zvose

uye agogamuchira zvibayiro zvako zvinopiswa. Sera

Ngaakupe zvinodikanwa nomwoyo wako,

uye aite kuti urongwa hwako hwose hubudirire.

Tichadanidzira nomufaro pakukunda kwako,

uye tichasimudza mireza yedu muzita raMwari wedu.

Jehovha ngaakupe zvose zvawakakumbira.

Zvino ndava kuziva kuti Jehovha anoponesa muzodziwa wake;

anomupindura ari kudenga rake dzvene,

nesimba rokuponesa kworuoko rwake rworudyi.

Vamwe vanovimba nengoro, vamwe namabhiza,

asi isu tinovimba nezita raJehovha Mwari wedu.

Vanowisirwa pasi namabvi avo vagowa,

asi isu tinosimuka tigomira takasimba.

Haiwa Jehovha, ponesai mambo!

Tipindurei patinodana!

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.