Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 2

Ndudzi dzinoitireiko bope?

Uye vanhu vanofungireiko zvisina maturo?

Madzimambo enyika azvigadzirira

uye vabati vanoungana pamwe chete

kuti vazorwa naJehovha,

uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake.

Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo,

tigorasa mabote avo.”

Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka;

Ishe anovadadira.

Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake

uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti,

“Ndakagadza Mambo wangu

paZioni, gomo rangu dzvene.”

Ndichaparidza chirevo chaJehovha, ndichiti:

Iye akati kwandiri, “Ndiwe Mwanakomana wangu;

nhasi ndava Baba vako.

Kumbira kwandiri,

uye ndichaita kuti ndudzi dzive nhaka yako,

migumo yenyika ive yako.

Uchavatonga netsvimbo yesimbi;

uchavaputsa kuita zvimedu zvimedu sehari.”

Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai;

munyeverwe, imi vabati venyika.

Shumirai Jehovha nokutya,

uye mufare nokudedera.

Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa

mukazoparadzwa munzira yenyu,

nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka.

Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.