Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 1

BHUKU 1

Mapisarema 1–41

Akaropafadzwa munhu

asingafambi panorangana vakaipa,

asingamiri panzira yavatadzi,

asingagari pachigaro chavadadi.

Asi anofarira murayiro waJehovha,

uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku.

Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura,

unobereka michero yawo nenguva yawo,

uye mashizha awo haasvavi.

Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.

Vakaipa havana kudaro!

Vakafanana nehundi

inopepereswa nemhepo.

Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa,

kana vatadzi paungano yavakarurama.

Nokuti Jehovha anotarira nzira yavakarurama,

asi nzira yavakaipa ichaparadzwa.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.