Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!

Vakawanda sei vanondimukira!

Vazhinji vanoti kwandiri,

“Mwari haangamudzikinuri.” Sera

Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;

munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,

uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera

Ndinovata pasi ndigokotsira;

ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

Handizotyi makumi ezviuru

vakandikomba kuti vandirwise.

Simukai, imi Jehovha!

Ndirwirei, imi Mwari wangu!

Rovai vavengi vangu vose pashaya;

gurai meno avakaipa.

Rusununguko runobva kuna Jehovha.

Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.