Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 148
Rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai Jehovha kubva kumatenga,
murumbidzei panzvimbo dzokumusoro-soro.
Murumbidzei, imi vatumwa vake vose,
murumbidzei, imi hondo dzake dzose dzokudenga.
Murumbidzei, imi zuva nomwedzi,
murumbidzei, imi nyeredzi dzose dzinopenya.
Murumbidzei, imi matenga ari kumusoro-soro,
nemi mvura zhinji iri pamusoro pamatenga.
Ngazvirumbidze zita raJehovha,
nokuti akarayira, izvo zvikasikwa.
Akazviisa panzvimbo yazvo nokusingaperi-peri,
akapa chirevo chisingazombopfuuri.
Rumbidzai Jehovha imi nyika,
imi zvisikwa zvikuru zvegungwa nokwakadzika kwenyanza,
nemi mheni nechimvuramabwe, chando namakore,
dutu remhepo rinoita zvaakareva,
imi makomo nemi zvikomo zvose,
miti inobereka nemisidhari yose,
mhuka dzesango nemombe dzose,
zvisikwa zvidiki neshiri dzinobhururuka,
Madzimambo enyika nendudzi dzose,
imi machinda nemi vatongi vose panyika,
majaya nemhandara,
vatana navana.
Ngavarumbidze zita raJehovha,
nokuti zita rake iye oga iguru;
kubwinya kwake kuri pamusoro penyika namatenga.
Akasimudzira vanhu vake runyanga,
iyo rumbidzo yavatsvene vake vose,
yaIsraeri, vanhu vari pedyo nomwoyo wake.
Rumbidzai Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.