Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 147
Rumbidzai Jehovha.
Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza,
zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!
Jehovha anovaka Jerusarema;
anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.
Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,
uye anosunga maronda avo.
Anotara kuwanda kwenyeredzi,
anodana imwe neimwe nezita rayo.
Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;
kunzwisisa kwake hakuperi.
Jehovha anotsigira vanozvininipisa,
asi anowisira pasi vakaipa.
Imbirai Jehovha nokuvonga;
muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.
Anofukidza denga namakore;
anopa nyika mvura,
uye anomeresa uswa pazvikomo.
Anopa mombe zvokudya
navana vamakunguo pavanochema.
Mufaro wake hausi musimba rebhiza,
uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;
Jehovha anofadzwa naavo vanomutya,
vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.
Kudza Jehovha, iwe Jerusarema;
rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,
nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako,
uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.
Anopa rugare pamiganhu yako,
uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.
Anotuma murayiro wake kunyika;
shoko rake rinomhanya kwazvo.
Anowarira chando samakushe amakwai,
uye anoparadzira chando samadota.
Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu.
Ndianiko angamira kana chando chake charova?
Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa;
anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.
Akazarurira Jakobho shoko rake,
mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.
Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi;
havazivi mirayiro yake.
Rumbidzai Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.