Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 146
Rumbidza Jehovha.
Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.
Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu;
ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.
Regai kuvimba namachinda,
navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.
Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu;
pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.
Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho,
tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,
Muiti wedenga nenyika,
gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha,
anogara akatendeka nokusingaperi.
Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa,
uye anopa zvokudya vane nzara.
Jehovha anosunungura vasungwa.
Jehovha anosvinudza mapofu,
Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi,
Jehovha anoda vakarurama.
Jehovha anorinda vatorwa
uye anoriritira nherera nechirikadzi,
asi anokonesa nzira dzavakaipa.
Jehovha anotonga nokusingaperi,
Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.
Rumbidza Jehovha.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.