Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 149

Rumbidzai Jehovha.

Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,

rumbidzo yake paungano yavatsvene.

Israeri ngavafarire Muiti wavo;

vanhu veZioni ngavafarire Mambo wavo.

Ngavarumbidze zita rake vachitamba,

uye vamuridzire nziyo namatambureni nembira.

Nokuti Jehovha anofarira vanhu vake;

vanozvininipisa anovashongedza korona noruponeso.

Vatsvene ngavafare nokukudzwa kwake,

uye vaimbe nomufaro vari pamibhedha yavo.

Kurumbidzwa kwaMwari ngakuve pamiromo yavo,

nomunondo unocheka kwose, mumaoko avo,

kuti vatsive pamusoro pendudzi,

uye varange marudzi avanhu,

vasunge madzimambo avo nengetani,

namakurukota avo nezvisungo zvamatare,

kuti vaite zvavakatongwa nazvo,

zvakanyorwa pamusoro pavo.

Ndiko kukudzwa kwavatsvene vose.

Rumbidzai Jehovha.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.