Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 143

Pisarema raDhavhidhi.

Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu,

ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu;

uyai mundisunungure nokutendeka

uye nokururama kwenyu.

Musauyisa muranda wenyu mukutongwa,

nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.

Muvengi anondidzinganisa,

anondirovera pasi;

anondiita kuti ndigare murima

savaya vakafa kare.

Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu;

mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.

Ndinorangarira mazuva akare kare;

ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;

mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera

Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura;

mweya wangu woziya.

Regai kundivanzira chiso chenyu

nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.

Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,

nokuti ndinovimba nemi.

Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,

nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha,

nokuti ndinozvivanza mamuri.

Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,

nokuti muri Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;

ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi;

paradzai vavengi vangu vose,

nokuti ndiri muranda wenyu.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.