Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 144

Pisarema raDhavhidhi.

Jehovha Dombo rangu ngaarumbidzwe,

iye anodzidzisa

maoko angu kurwa.

Ndiye Mwari anondida uye nhare yangu,

shongwe yangu nomudzikinuri wangu,

nenhoo yangu uye ndinovanda maari,

iye anoisa marudzi pasi pangu.

Haiwa Jehovha, munhu chiiko zvamune hanya naye?

Kana mwanakomana womunhu zvamunomufunga?

Munhu akafanana nomweya wokufema;

mazuva ake akaita somumvuri unopfuura.

Zarurai matenga enyu, imi Jehovha, uye muburuke;

batai makomo, kuti apfungaire utsi.

Tumirai mheni mugoparadzira vavengi;

pfurai miseve yenyu mugovapedza.

Tambanudzai ruoko rwenyu kubva kumusoro;

ndirwirei uye mundinunure

kubva pamvura zhinji ine simba,

kubva mumaoko avatorwa

vane miromo izere nenhema,

maoko avo orudyi anonyengera.

Haiwa Mwari, ndichakuimbirai rwiyo rutsva;

ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza nomutengeranwa une hungiso gumi,

iye anopa kukunda kumadzimambo,

anorwira muranda wake Dhavhidhi kubva pamunondo unouraya.

Ndirwirei uye mundinunure

kubva pamaoko avatorwa,

vane miromo izere nenhema,

vane maoko orudyi anonyengera.

Ipapo vanakomana vedu pauduku

hwavo vachava semiti yakakura zvakanaka,

uye vanasikana vedu vachava sembiru dzakavezwa

kuti dzishongedze muzinda wamambo.

Matura edu achazadzwa

nemhando dzose dzezviyo.

Makwai edu achawanda nezviuru,

nezviuru gumi mumafuro edu;

nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema.

Hapachazova nokuputswa kwamasvingo,

hapachazova nokuenda kuutapwa,

hapachazova nokuchema nenhamo, munzira dzedu dzomumisha.

Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi;

vakaropafadzwa vanhu avo vana Jehovha Mwari wavo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.