Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 142

Masikiri raDhavhidhi. Paakanga ari mubako. Munyengetero.

Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;

ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.

Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;

ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.

Mweya wangu paunoziya mandiri,

imi ndimi munoziva nzira yangu.

Munzira mandinofamba,

vanhu vakandivanzira misungo.

Tarirai kurudyi rwangu mugoona;

hakuna ane hanya neni.

Handina utiziro;

hakuna ane hanya noupenyu hwangu.

Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,

“Ndimi utiziro hwangu,

nomugove wangu munyika yavapenyu.”

Teererai kuchema kwangu,

nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;

ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,

nokuti vanondikurira simba.

Ndibudisei mutorongo,

kuti ndirumbidze zita renyu.

Ipapo vakarurama vachandipoteredza

nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.