Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 12
Kumutungamiri wokuimba. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.
Batsirai, imi Jehovha, nokuti vanoda Mwari hapachina;
vakatendeka vapera pakati pavanhu.
Mumwe nomumwe anorevera wokwake nhema;
miromo yavo inobata kumeso nokutaura zvinonyengera.
Jehovha ngaagure miromo yose inobata kumeso,
norurimi rumwe norumwe runozvikudza
ruchiti, “Tichakunda nendimi dzedu;
miromo ndeyedu, tenzi wedu ndiani?”
“Nokuda kwokumanikidzwa kwavasina simba
nokugomera kwavarombo,
ndichasimuka zvino,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Ndichavadzivirira kuna avo vanovaparadza.”
Uye mashoko aJehovha haana chaangapomerwa,
sesirivha yakacheneswa muchoto chevhu,
yakanatswa kanomwe.
Imi Jehovha, muchatichengeta murugare
uye muchatidzivirira kubva kuvanhu vakadai nokusingaperi.
Vakaipa vanofamba-famba vakasununguka
kana zvakashata zvichikudzwa pakati pavanhu.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.