Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mapisarema 13

Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here?

Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?

Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko,

uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe?

Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

Tarirai kwandiri mugondipindura, imi Jehovha Mwari wangu.

Vhenekerai meso angu, kana kuti ndichafa ndakarara;

muvengi wangu achati, “Ndamukurira ndamukunda,”

uye vadzivisi vangu vachapembera kana ndawa.

Asi ini ndinovimba norudo rwenyu rusingaperi;

mwoyo wangu unofarira ruponeso rwenyu.

Ndichaimbira Jehovha,

nokuti akandinakira.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.