Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Mapisarema 11
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
Ndinovanda muna Jehovha.
Mungareva seiko kwandiri muchiti,
“Tizira kugomo rako seshiri.
Nokuti tarira, vakaipa vanowembura uta hwavo;
vanogadzirira miseve yavo parukungiso,
kuti vapfure vari murima,
uyo akarurama pamwoyo.
Kana nheyo dzaparadzwa,
akarurama angaiteiko?”
Jehovha ari mutemberi yake tsvene;
Jehovha ari pachigaro chake choushe chokudenga.
Anocherechedza vanakomana vavanhu;
meso ake anovaedza.
Jehovha anoedza vakarurama,
asi vakaipa navanoda zvechisimba
mweya wake unovavenga.
Pane vakaipa anonayisa
mazimbe omoto nesafuri inopfuta;
mhepo inopisa ndiwo uchava mugove wavo.
Nokuti Jehovha akarurama,
anoda kururamisira;
vanhu vakarurama vachaona chiso chake.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.