Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mika 4

Gomo raJehovha

Mumazuva okupedzisira

gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa

segomo guru pakati pamakomo;

richasimudzwa pamusoro pezvikomo,

uye marudzi achaenda kwariri.

Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti,

“Uyai, handei kugomo raJehovha,

kuimba yaMwari waJakobho.

Achatidzidzisa nzira dzake,

kuti tigofamba munzira dzake.”

Murayiro uchabuda kubva paZioni,

shoko raJehovha kubva paJerusarema.

Achatonga pakati pamarudzi mazhinji

uye achapedza gakava pakati pendudzi dzine simba dziri kure kure.

Vachapfura minondo yavo vagoiita mapadza,

namapfumo vachiaita mapanga okuchekerera miti.

Rudzi harungasimudziri rumwe rudzi munondo,

havangazodzidzirizve kurwa.

Mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake,

napasi pomuonde wake,

uye hapana anozovaita kuti vatye,

nokuti Jehovha Wamasimba Ose ataura.

Ndudzi dzose dzingafamba

muzita ravamwari vadzo;

isu tichafamba muzita raJehovha

Mwari wedu nokusingaperi-peri.

Urongwa hwaJehovha

“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“Ndichaunganidza vakaremara;

ndichaunganidza vakadzingwa

neavo vandakatambudza.

Ndicharemadza vakasara,

vaya vakadzingwa, ivo rudzi rwakasimba.

Jehovha achavatonga paGomo reZioni

kubva pazuva iroro nokusingaperi.

Kana uri iwe, chirindo cheboka

iwe nhare yoMwanasikana weZioni,

ushe hwakare huchadzoswa kwauri;

umambo huchauya kuMwanasikana weJerusarema.”

Sei muchiridza mhere iye zvino,

hamuna mambo here?

Gota renyu raparara here zvokuti kurwadza

kwakubatai sekwomukadzi anosununguka?

Tambura ugomere,

iwe Mwanasikana weZioni,

somukadzi ari pakusununguka,

nokuti zvino unofanira kubuda muguta unogara kusango.

Uchaenda kuBhabhironi;

ikoko uchandonunurwa.

Ikoko Jehovha achakudzikinura

kubva paruoko rwavavengi vako.

Asi zvino ndudzi zhinji

dzakaunganira kuzokurwisa.

Vanoti, “Ngaasvibiswe,

maziso edu ngaatarise Zioni!”

Asi havazivi

pfungwa dzaJehovha;

havanzwisisi kuronga kwake,

iye anovaunganidza sezvisote paburiro.

“Simuka upure, iwe Mwanasikana weZioni,

nokuti ndichakupa nyanga dzesimbi;

ndichakupa mahwanda endarira

uye uchapwanya kuita zvidimbu ndudzi zhinji.”

Uchatsaurira kuna Jehovha zvavakazviwanira nenzira dzavo,

upfumi hwavo kuna Ishe wenyika yose.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.