Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mika 3

Vatungamiri naVaprofita vanotsiurwa

Ipapo ndakati,

“Teererai imi vatungamiri vaJakobho,

imi vatongi veimba yaIsraeri.

Hamufaniri kuziva kururamisira here,

imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa;

munofunura ganda

pamapfupa;

munodya nyama yavanhu vangu,

munobvisa ganda ravo,

muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu;

munovatema-tema senyama yokuisa mupani,

senyama yomuhari?”

Ipapo vachadana kuna Jehovha,

asi haangavadaviri.

Panguva iyoyo achavanza chiso chake

kwavari nokuda kwezvakaipa zvavakaita.

Zvanzi naJehovha:

“Kana vari vaprofita vanotsausa vanhu vangu,

kana mumwe akavapa zvokudya,

vanodanidzira kuti ‘Rugare’; kana akasavapa,

vanogadzirira kumurwisa.

Naizvozvo usiku huchauya pamusoro pako,

pasina zviratidzo, nerima, pasina kuvuka.

Zuva richavirira vaprofita,

uye masikati achavasvibira.

Vaoni vachanyadziswa

uye vavuki vachanyadziswa.

Vachafukidza zviso zvavo

nokuti hakuna mhinduro inobva kuna Jehovha.”

Asi kana ndirini, ndizere nesimba,

noMweya waJehovha,

uye nokururamisira nesimba,

kuti ndizivise Jakobho kudarika kwake naIsraeri chivi chake.

Inzwai izvi, imi vatungamiri veimba yaJakobho,

imi vatongi veimba yaIsraeri,

munozvidza kururamisira

uye munominamisa zvose zvakanaka;

munovaka Zioni nokudeura ropa,

uye Jerusarema nouipi.

Vatungamiri varo vanotongera fufuro,

vaprista varo vanodzidzisa kuti vapiwe mubayiro,

uye vaprofita varo vanoprofita kuti vapiwe mubayiro.

Asi vanozendama pana Jehovha voti,

“Ko, Jehovha haasi pakati pedu here?

Hapana njodzi ingatiwira.”

Naizvozvo nokuda kwenyu,

Zioni richarimwa somunda,

Jerusarema richava murwi wamabwe,

pachikomo pamire temberi, pachava dondo.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.