Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mika 2

Urongwa hwoMunhu nohwaMwari

Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa,

avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo!

Pakuedza kwamangwanani vanozviita

nokuti zviri musimba ravo kuzviita.

Vanochiva minda vagoipamba,

nedzimba, uye vagodzitora.

Vanobira munhu imba yake,

nomuvakidzani nhaka yake.

Naizvozvo Jehovha anoti,

“Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava,

zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri.

Hamuchazofambizve muchizvikudza,

nokuti ichava nguva yedambudziko.

Pazuva iro vanhu vachakutukai;

vachakudenhai norwiyo urwu rwokuchema:

‘Taitwa dongo chose;

pfuma yavanhu vangu yagovaniswa.

Anonditorera!

Anopa minda yedu kuna vanotimukira?’ ”

Naizvozvo muchashayiwa munhu kana mumwe, muungano yaJehovha,

kuti agove nyika nemijenya.

Vaprofita venhema

Vaprofita vavo vanoti, “Musaprofita,

musaprofita pamusoro pezvinhu izvi;

kunyadziswa hakungatibati.”

Zvingataurwe here, nhai imi imba yaJakobho, kuti:

“Ko, mweya waJehovha watsamwa here?

Iye anoita zvinhu zvakadaro here?”

“Ko, mashoko angu haaiti zvakanaka here

kuno uyo ane nzira dzake dzakarurama?

Asi mazuva ano vanhu vangu

vakandimukira somuvengi.

Munobvisa majasi anokosha

pane avo vanopfuura musina kana hanya,

savarume vodzoka kubva kuhondo.

Munodzinga madzimai avanhu vangu

kubva mudzimba dzavo dzakanaka.

Munotora ropafadzo yangu

kubva kuvana vavo nokusingaperi.

Simukai, ibvai pano!

Nokuti ino haisi nzvimbo yenyu yokuzororera,

nokuti yakasvibiswa,

yakaparadzwa zvisingagadziriki.

Kana munyepi nomunyengeri akauya oti,

‘Ndichakuprofitirai waini zhinji nedoro,’

iyeyu achava muprofita wavanhu ava!

Kudzikinurwa kunovimbiswa

“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, iwe Jakobho;

zvirokwazvo ndichaunganidza pamwe chete vakasara vaIsraeri.

Ndichavaunganidza pamwe chete samakwai muchirugu,

seboka pamafuro aro; nzvimbo yacho ichazara navanhu.

Uyo achaparura nzira achaenda pamberi pavo;

vachapwanya napasuo vagobuda panze.

Mambo wavo achapfuura ari pamberi pavo,

Iye Jehovha achivatungamirira.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.