Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Mika 5

Mutongi akavimbiswa kubva kuBheterehema

Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto,

nokuti takombwa nomuvengi.

Vacharova mutongi waIsraeri

netsvimbo padama.

“Asi iwe, Bheterehema Efurata,

kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha,

kwauri kuchandibudira mumwe

achava mutongi pamusoro peIsraeri,

mavambo ake ndeakare kare,

kubva pamazuva akare kare.”

Naizvozvo Israeri achasiyiwa

kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara

uye hama dzake dzose

dzadzoka kuzobatana navaIsraeri.

Achamira agofudza boka rake

musimba raJehovha,

muukuru hwezita raJehovha Mwari wake.

Uye vachagara norugare,

nokuti ipapo kukura kwake kuchasvika kumagumo enyika.

Uye iye achava rugare rwavo.

Kudzikinurwa noKuparadzwa

MuAsiria paacharwisa nyika yedu

agofamba achipfuura nomunhare dzedu,

tichamumutsira vafudzi vanomwe

kuti vamurwise kunyange vatungamiri vasere vavanhu.

Vachatonga nyika yeAsiria nomunondo,

nyika yaNimurodhi nomunondo wakavhomorwa.

Achatirwira kubva kumuAsiria

paachapinda munyika yedu

nokupinda pamiganhu yedu.

Vakasara vaJakobho vachava

pakati pamarudzi akawanda,

sedova rinobva kuna Jehovha,

sokunaya kwemvura pauswa,

zvisingamiriri munhu

kana kugaririra vanhu.

Vakasara vaJakobho vachava pakati pendudzi,

pakati poruzhinji rwamarudzi,

seshumba pakati pezvikara zvesango,

seshumba duku pakati pamapoka amakwai,

inotsika uye inobvambura ichienda,

pasina anogona kununura.

Ruoko rwenyu ruchasimudzwa mukukunda

uye vadzivisi venyu vose vachaparadzwa.

“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha,

“ndichaparadza mabhiza enyu pakati penyu

uye ndichapwanya ngoro dzenyu.

Ndichaparadza maguta enyika yenyu

uye ndichaputsa nhare dzenyu dzose.

Ndichaparadza uroyi hwako

uye hauchazovizve navavuki.

Ndichaparadza zvifananidzo zvenyu

zvakavezwa neshongwe dzenyu pakati penyu;

hamuchazokotamiri

kubasa ramaoko enyu.

Ndichadzura kubva pakati penyu matanda aAshera

uye ndichaparadza maguta enyu.

Ndichatsiva nokutsamwa nehasha

kundudzi dzisina kunditeerera.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.