Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 26

Jobho

Ipapo Jobho akapindura akati:

“Ndiweka wakabatsira vasina simba!

Wakaponesa sei ruoko rwakarukutika!

Ndiweka wakapa zano kune asina uchenjeri!

Ndiweka wakaratidza njere dzakakura kwazvo!

Ndianiko akakubatsira kutaura mashoko aya?

Uye mweya waaniko wakataura kubva pamuromo wako?

“Vakafa vari pakushungurudzika kukuru,

ivo vari pasi pemvura zhinji navose vanogara mairi.

Sheori yakashama pamberi paMwari;

kuparadza hakuna kufukidzwa.

Anotambanudza matenga nechokumusoro panzvimbo isina chinhu;

anorembedza nyika pasina chinhu.

Anoputira mvura zhinji mumakore ake;

asi makore acho haabvaruki nokuda kwokuremerwa.

Anofukidza chiso chomwedzi uzere,

achiwarira makore ake pamusoro pawo.

Anotara muganhu pamberi pemvura zhinji,

kuti ugova muganhu pakati pechiedza nerima.

Mbiru dzokudenga dzinodengenyeka,

dzichivhundutswa nokutuka kwake.

Akaunganidza mvura dzegungwa nesimba rake;

akagura-gura Rahabhi nenjere dzake.

Matenga akashongedzwa nokufema kwake;

ruoko rwake rwakabaya nyoka inobhururuka.

Uye izvi ndiwo macheto oga ebasa rake;

haiwa tinongonzwa kuzevezera kwake!

Zvino ndianiko anganzwisisa kutinhira kwesimba rake?”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.