Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017
Jobho 27
Zvino Jobho akapfuurira mberi nokutaura achiti:
“Zvirokwazvo naMwari mupenyu, iye akaramba kundiruramisira,
iye Wamasimba Ose, akaita kuti ndinzwe shungu pamwoyo wangu,
chero ndichine upenyu mandiri,
ndichine kufema kwaMwari mumhino dzangu,
miromo yangu haingatauri zvakashata,
uye rurimi rwangu harungatauri nokunyengera.
Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi;
kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.
Ndichachengetedza kururama kwangu uye handingakuregedzi;
hana yangu haingandipi mhosva ndichiri mupenyu.
“Vavengi vangu ngavaite savakaipa,
navadzivisi vangu savasakarurama!
Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa,
Mwari paanotora upenyu hwake?
Ko, Mwari anoteerera kuchema kwake
paanowirwa nenhamo here?
Iye angawana mufaro muna Wamasimba Ose here?
Ko, achadana kuna Mwari panguva dzose here?
“Ndichakudzidzisai nezvesimba raMwari;
nzira dzaWamasimba Ose handingadzivanzi.
Imi mose makazviona izvi pachenyu.
Zvino munotaurireiko zvisina maturo?
“Haano magumo anogoverwa vakaipa naMwari,
iyo nhaka inogamuchirwa navanhu vano utsinye, kubva kuna Wamasimba Ose.
Hazvinei kuti vana vake vakawanda sei, magumo avo munondo;
zvizvarwa zvake hazvizombowani zvokudya zvakakwana.
Denda richaviga vaya vanenge vasara,
uye chirikadzi dzavo hadzingavachemi.
Kunyange akaunganidza sirivha seguruva,
uye zvokupfeka zvikaita somurwi wevhu,
zvaanowana zvichapfekwa navakarurama,
uye vasina mhaka vachagovana sirivha yake.
Imba yaanovaka yakaita sedende rechipfukuto,
sechirindo chakaitwa nomurindi.
Anovata pasi akapfuma, asi haachazviitizve;
paanosvinura meso ake, wanei zvose zvaenda.
Zvinotyisa zvinomubata kufanana namafashamu;
dutu rinomubvutira kure panguva yousiku.
Mhepo yokumabvazuva inomutakura ichimuendesa kure, achibva zvachose.
Inomukukura kubva panzvimbo yake.
Inovhuvhuta paari isingamunzwiri ngoni,
paanenge achitiza akati tande achitiza simba rayo.
Inomuomberera maoko ichimuseka,
ichishinyira ichiita kuti abve panzvimbo yake.
Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.