Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Jobho 25

Bhiridhadhi

Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati:

“Kubata ushe nokutyiwa ndezvaMwari;

uye anosimbisa rugare kumusoro-soro kudenga.

Mauto ake angaverengwa here?

Ndianiko asingavhenekerwi nechiedza chake?

Zvino munhu angava akarurama seiko pamberi paMwari?

Ko, munhu akazvarwa nomukadzi angava akachena sei?

Kunyange dai mwedzi ukasachena,

uye nyeredzi dzikasava dzakachena pamberi pake,

ndoda munhu zvake, iro gonye zvaro,

iye mwanakomana womunhu, anongova gonye zvaro!”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.