Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 17

Chirevo pamusoro peDhamasiko

Chirevo pamusoro peDhamasiko:

“Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta,

asi richava murwi wamatongo.

Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo,

izvo zvichavata pasi,

pasina anozvivhundutsa.

Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu,

uye simba roushe kubva paDhamasiko;

vakasara veAramu

vachava sembiri yavaIsraeri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

“Pazuva iro kukudzwa kwaJakobho kuchapera;

mafuta omuviri wake achapera.

Zvichafanana nomukohwi anokohwa madzinde akamira,

uyo anokohwa zviyo noruoko rwake,

sezvinoita murume anononga hura

dzezviyo muMupata weRefaimi.

Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara,

sezvinoita muorivhi kana wazunzwa,

uchisiya maorivhi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro,

mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.

Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo,

vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.

Havachazotarisi kuaritari,

iro basa ramaoko avo,

uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari

dzezvinonhuhwira dzakaitwa neminwe yavo.

Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.

Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako,

hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako.

Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa,

uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,

kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure,

ugoita kuti ive namaruva,

asi mukohwo uchava sapasina

pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.

Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji,

dzinotinhira sokutinhira kwegungwa!

Haiwa, kuomba kwamarudzi

anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji!

Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura,

paanovatuka vachatizira kure,

vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo,

kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru.

Munguva yamadekwana,

pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo!

Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira,

nomubayiro wavanotipamba.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.