Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 18

Chiprofita pamusoro peEtiopia

Ine nhamo nyika yokutinhira

kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,

inotuma nhume nenzira yomugungwa,

muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura.

Endai, imi nhume dzinokurumidza,

kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera,

kuvanhu vanotyiwa kure napedyo,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rune nyika yakakamurwa nenzizi.

Imi mose muri pasi pose,

imi munogara panyika,

kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo,

muchauona,

uye kana hwamanda yarira,

muchainzwa.

Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu,

samanyirinyiri omushana unopisa,

segore redova mukupisa kwokukohwa.”

Nokuti, kukohwa kusati kwasvika,

kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva,

achagura mabukira namapanga okurangura,

achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.

Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango;

shiri dzichazvidya chirimo chose,

uye zvikara zvesango

zvichazvidya muchando chose.

Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose,

zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera,

kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi,

zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.