Skip to content
BibleKenya

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017

Isaya 16

Tumirai mutero

wamakwayana kumutongi wenyika,

kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje,

kugomo roMwanasikana weZioni.

Kufanana neshiri dzadzungaira

dzichisundidzirwa kubva mudendere,

ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu

pamazambuko eAmoni.

“Tipeiwo zano,

ruramisirai.

Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku,

pamasikati makuru.

Viga vatizi,

usapandukira vapoteri.

Rega vatizi veMoabhu vagare newe,

iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.”

Mutambudzi achasvika kumagumo,

uye kuparadza kuchapera;

mudenhi achatsakatika panyika.

Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa;

mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi,

uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira,

uye achikurumidza kuita zvakarurama.

Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu,

namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake,

kuzvikudza kwake nokuvirima kwake,

asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.

Naizvozvo vaMoabhu voungudza,

vanoungudzira Moabhu pamwe chete.

Chemai musuwe

nokuda kwavarume veKiri Hareseti.

Minda yeHeshibhoni yaoma

uye mazambiringa eSibhima aomawo.

Vatongi vendudzi vatsika-tsika

mizambiringa yakaisvonaka,

iyo yaimbosvika kuJazeri

uye yaitandira yakananga kurenje.

Mabukira ayo

aitandira kusvika kugungwa.

Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri,

nokuda kwemizambiringa yeSibhima.

Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare,

ndichakudiridza nemisodzi!

Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa

yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.

Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa;

hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa;

hapana anosvina waini pazvisviniro,

nokuti ndagumisa ruzha rwacho.

Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira,

mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.

Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira,

anenge achingozvinetsa pachake;

paanoenda kuimba yake kunonyengetera,

zvinenge zvisina chazvinobatsira,

Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu. Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi 2017. Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc. Licensed under CC BY-SA 4.0. “Biblica” is a trademark registered in the United States Patent and Trademark Office by Biblica, Inc. Source: eBible.org. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-10-25.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.