KoreKore Bible Translation
Zvidozuruhwa 15
Ngirozi dzinomwe dzoMatambudzo yokuPedzisira
Zvino ndidoona chimwe chiratidzo kudenga, chikuru chinoshamisa, ngirozi dzinomwe nomatambudzo manomwe, yanga yari yokupedzisira, nokuti nomatambudziko yakareyo ukari hwaMwari hudopera.
Ndidoona changa chidoita kunge gungwa ridongwerevera ridosangana nomoto, naivo vadouya vakunda chirombo nomufananidzo wachene nochiverengo chozita rachene, vadomira padivi pogungwa ridongwerevera vanga vanomarimba yaMwari mumanja yavo. Vanga vachiimba chimbo chaMozisi, muranda waMwari, nochimbo choHwayana, vachiti,
“Mabasa yenyu makuru yanoshamisa,
Ishe Mwari womasimba yese!
Nzira dzenyu nzochokwadi, uye dzidorurama
Mambo womarudzi!
Mbani asingakuchei nokukudza zita renyu, Ishe?
Nokuti imimi mega muri mutsvene.
Marudzi yese yachauya
kudzokunamatai,
nokuti mabasa yenyu yadorurama yadoratidziwa.”
Mumasure mozvakarezvi ndidoona kudenga imba yaMwari inova dumba romutemo wochibvumirano, idozuruhwa, Muimba yaMwari mudobirika ngirozi dzinomwe dzinomadambudzo manomwe, dzidosimira mapiza yadochena futi yanoyetima, nozvipfuwa zvadzene zvanga zvidosungiwa nomicheka yondarama. Ipopo chimwe chozvisikwa zvipenyu zvinai chidopasa ngirozi dzinomwe mbiya dzinomwe dzondarama dzidozara ukari hwaMwari iye mupenyu nokusingaperepere. Imba yaMwari idozara noutsi hunobva pakubhwinya kwache nosimba rache, hapanai munhu adokona kupinda muimba yaMwari kusvikira matambudzo manomwe yongirozi dzinomwe yapera.
KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.
Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.