Skip to content
BibleKenya

Zvidozuruhwa

Revelation

Introduction from this edition

ZVIDOZURUHWA Kuna

Johwani

Kuwidzira

Bhuku raZvidozuruhwa ndiro bhuku rokupedzisira muChibvumirano Chitsva. Ndiro ridopedzisihwa kunyohwa noNhumwa Johwani kuri kumakore yokumakumi mapfemba nomashano mumasure mokuzvahwa kwaKhirisitu, (Zvidozuruhwa 1:1). Adonyorawo bhuku rinoitiwa Vhangeri ridonyohwa naJohwani nomatsamba yamwe matatu yanoti, tsamba rokuthanga raJohwani, rochipiri raJohwani, norochitatu raJohwani. Johwani anozikana seuye “waidiwa naJesu” (Johwani 13:23). Adonyora bhuku raZvidozuruhwa paanga ari pachitsuwa chinoitiwa Patimosi ndava wanga wadzingihwa kwakareko nondava yokuparidza nhau dzidonaka pamusoro paJesu Khirisitu (Zvidozuruhwa 1:9).

Chinangwa chaJohwani pakunyora bhuku raZvidozuruhwa nyhokukurudzira vaverengi kuti varambe vadotendeka kuna Jesu Khirisitu nokuvapasa tariro yokuti nguwa yokudzoka kwaJesu yava papfupi (Zvidozuruhwa 1:3, 22:7). Adonyorera maKhirisitu vese kunyanya makherekhe manomwe yari muzvitsauko (Zvidozuruhwa 2:1—3:1-22). Johwani anotsanangura chinyohwa chache sechiporofiti, (Zvidozuruhwa 1:3) uye anoshandisa mifananidzo idowanda mubhuku rese kutsanangura zvinhu zvaadoona. Bhuku ridofanana nozvimwe zvikamu zvoChibvumirano Chokare, kunyanya Zakariya (Zakariya 6:1-8). Tsuri dzinomwe nondiro dzinomwe zvidofananawo nomatambudziko yadotumihwa naMwari kuranga Ijipiti (Ekisodho 7:1—9:1-35). Zvidozuruhwa inonyaira zvonguwa yokupedzisira, kuti Jesu achakunda, uye vese vanovimba naye vachararama naye nokusingapere. Bhuku rakareri mbarikuchenjedze nokukupasa tariro yokuti Jesu ari kudzoka nokamangu.

Marongehwo

Johwani anothanga nokutaura kuti iye mbani uye kuti adotambira tini chiono chochiporofiti chakarechi (Zvidozuruhwa 1:1-20)

Anopasa shoko rinobva kuna Jesu chaiko richienda kumakherekhe manomwe (Zvidozuruhwa 1:1—3:22)

Ipopo anotsanangura zvisimbiso zvinomwe (Zvidozuruhwa 4:1—8:5) notsuri dzinomwe (Zvidozuruhwa 8:6—11:19)

Musure mozvakarezvi Johwani anotsanangura hondo yoMwanakomana notsato inomisoro minomwe (Zvidozuruhwa 12:1—14:20)

Ipopo anodzotsanangura nozvondiro dzinomwe dzoukari (Zvidozuruhwa 15:1—16:18)

Chinotevera Johwani anotsanangura makundiro yanoita Mwari vavengi vache vari kudenga (Zvidozuruhwa 17:1—20:15)

Pakupedzisira anotsanangura denga ritsva nonyika itsva zvichauya pamagumo (Zvidozuruhwa 21:1—22:21)

KoreKore Bible Translation. Copyright © The Word for the World International. Licensed under CC BY-SA 4.0. Source: Open.Bible. Typeset from the source files; no intended changes to scripture wording. BibleKenya is not endorsed by the rights holder.

Full source notice & licence · CC BY-SA 4.0 · SourceEdition imported 2026-11-09.

BibleKenya

Reader settings

Theme
Font
Alignment
Reading width

Saved in this browser and used offline too. Press ? for keyboard shortcuts.